kudzıdzısa pachıshandıswa mavhıdhıyo
Transkript
kudzıdzısa pachıshandıswa mavhıdhıyo
KUDZIDZISA PACHISHANDISWA MAVHIDHIYO MUTAURO WEMASAINI Ona Zvinhu Zvomutauro Wemasaini Unogona kuimba here? Unogona here kuimba rwiyo nhamba 41 rwunoti “Namatai Jehovha Muchiri Vaduku,” rwuri mubhuku rinonzi Imbirai Jehovha? Vhura rwiyo rwacho mubhuku rako renziyo, kana kuti rwukope pajw.org. (Tarisa pakanzi MABHUKU ˛ MABHUKU UYE MABHUROCHA.) Mashoko erwiyo rwacho anokuyeuchidza kuti uremekedze vabereki vako uye uteerere Jehovha Mwari. Unoziva here maimbiro anoita matsi? Vanoshandisa mutauro wemasaini. Ona rwiyo rwunoti “Namatai Jehovha Muchiri Vaduku” rwuchiimbwa muMutauro Wemasaini wokuAmerica pajw.org. (Tarisa pakanzi MABHUKU ˛ MUTAURO WEMASAINI. Iva nechokwadi chokuti wasarudza Mutauro Wemasaini wokuAmerica.) Pane mamwe masaini awaziva here? ( ITAI IZVI: Itai kuti munhu mumwe chete asarudze rugwaro rwaanofarira muMagwaro echiGiriki (Mateu kusvika kuna Zvakazarurwa). Verengai pamwe chete rugwaro rwacho, mobva maita kuti mumwe ari mumhuri yenyu averenge rugwaro rwacho achishandisa masaini. Chipedzisai nokuona maverengerwo anoitwa rugwaro rwacho muMutauro Wemasaini wokuAmerica pajw.org. (Tarisai pakanzi MABHUKU ˛ MUTAURO WEMASAINI. Ivai nechokwadi chokuti masarudza Mutauro Wemasaini wokuAmerica.) Mungakwanisa here kuzvitevedzera? www.jw.org 5 2013 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania s Kopa nyaya iyi pawww.jw.org
Benzer belgeler
kudzidzisa pachishandiswa mavhidhiyo
Endai pajw.org muone vhidhiyo yakanzi “Zvinotaurwa Nevezera Rako—Kushungurudzwa Panyaya Dzepabonde.” (Tarisai pakanzi
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA > ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO.) Chiped...
mwari vanopa humwe humbowo huno simbisa kuti
mafashama ave kuda kutotanga Noah
akarairwa naMwari kuti mumazuva
masere mafashama achatanga
(Genesi wenomwe ndima yechina
kouya ndima yegumi kusvika
pandima yegumi nenhanhatu).
Tichishandisa mutau...